Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotsamwiswa neKukandwa Mutirongo kwaVaBennett


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vasendeka parutivi neChina musangano wedare remakurukota, weCouncil of Ministers, wavanga vachifanirwa kuita, sezvo bato ravo ranga richida kuita musangano wechimbichimbi wekutaura pamusoro pekuvharirwa mutirongo kwemubati wehomwe mubato iri, VaRoy Bennett neChitatu.

VaTsvangirai vanonzi vakaedza nepose pavaigona napo neChitatu kuti vasangane nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, kuti vakurukure nezvenyaya yaVaBennett, asi vanonzi vakakundikana kusangana nevarume ava.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanotiwo makurukota eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa haana kuenda kubasa achiratidza kusuwa nenyaya yaVaBennett. Hazvina kubuda pachena kuti makurukota aya achaenda kubasa here neChishanu.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti hachisi chokwadi kuti VaTsvangirai vasendeka musangano uyu nekutsamwa, asi kuti vari kuda kuti zviri muchibvumirano cheGPA zviteverwe, uye kuremekedzana semapato ari muhurumende.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG