Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopokana Pakusungwa kwaVaBennett


Nyaya yekuvharirwa mutirongo kwengo huru yeMDC iri kutarisirwa kugadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaRoy Bennett, yasimudza mutauro wakanyanya munyika, zvikuru panyaya yekutevedzwa kwemitemo pamwe nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Vamwe vari kuti MDC ngaibude zvayo muhurumende yemubatanidzwa, sezvo VaMugabe nevamwe vavo muZANU-PF, vasiri kuremekedza chibvumirano cheGPA. Vamwe vari kutiwo MDC haingaramwire munda kumakudo.

Panyaya yemitemo, vamwe vanoti zvinoshamisa kuti kunyange hazvo kuine vanhu veMDC vanonzi vakapondwa nevatsigiri veZANU-PF, hapana kana munhu mumwe ati asungwa.

Sachigaro weNCA uye vari nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaLovemore Madhuku, vanoti MDC inofanirwa kubuda pachena ichishora zvikuru zviri kuitika muhurumende. VaMadhuku vanotiwo zvava kunetsa apa inyaya yekuti MDC yadziirwa zvikuru zvekuti maitiro ayo anoratidza kuti haicharemekedzi zvayakaumbirwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Doctor Joseph Kurembwa, vanoti nyaya iri kupomerwa VaBennett ihombe, nokudaro vanofanirwa kumiswa pamberi pematare vachitongwa nemhosva dzavari kupomerwa.

Asi Doctor Madhuku vanoti nyaya iyi haifanire kuenda kumatare nekuti kupedzera hoko padehwe retsindi sezvo zvematongerwo enyika zviri izvo zviri kushandiswa panyaya yaVaBennett.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG