Accessibility links

Breaking News

WHO Yobatsira Zimbabwe Kurwisa Swine Flu

Zimbabwe imwe yenyika dziri kutarisirwa kuwana rubatsiro nemajekiseni anodzivirira chirwere che swine flu.

Sangano reWorld Health Organisation raburitsa mashoko neChipiri richiti nyika zana dziri kutambudzika nenyaya dzehutano, dzichapihwa mishonga iyi pachena, iyo iri kupihwa nemakambani makuru emishonga pasi rose eSanofi-Adventis ne Glaxosmithkline.

Imwe kambani ichabatsirawo yeMed Immune yati ichapawo zvakare mishonga yekudzvirira chirwere ichi. Chirwere che swine flu chabata vanhu vazhinji muSouth Africa, uye vanhu gumi nevaviri vakabatwa nechirwere ichi muZimbabwe.

Hurumende inoti inoda mari yakawanda kuti ikwanise kutenga zvinodiwa mukurwisa chirwere ichi.

Va Itai Rusike ndivo Executive Director veCommunity Working Group on Health. VaRusike vanoti chinhu chakanaka kuti Zimbabwe iri kuwana rubatsiro urwu sezvo zvinhu zvisati zvanyatsogadzirika muZimbabwe


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...





This item is part of
XS
SM
MD
LG