Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votaura Pamusoro peZEC Itsva


Sangano re Anti-Corruption Trust of Southern Africa rinoti vanhu vakanga vari nhengo dzeZimbabwe Electoral Commission yaitungamirwa naVaGeorge Chiweshe, havafanirwe kupinda mukomisheni itsva yakaumbwa nehurumende yemubatanidzwa.

Mutungamiri wesangnao iri, VaNorman Tjombe, vanoti vanyorera tsamba mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, gurukota remukati menyika, Va Kembo Mohadi, pamwe nemutauriri we dare reHouse of Assembly, VaLovemore Moyo, vachivazivise pamire sangano ravo.

Vanhu vakanyora bvunzo dzekuva makomisheni matsva vaive mu ZEC yekare vanosanganisira Amai Joyce Kazembe naVaTheophilus Gambe.

Mashoko aya anobuda nguva imweyo panobudawo gwaro reResearch and Advocacy Unit, iro rinoti gwaro rine mazita evanhu vanofanirwa kuvhota, ine vanhu vanosvika 74 021 vane makore zana, uye vamwe vakafa.

Sachigaro weZESN, VaTinoziva Bere, vanoti vanhu vakaita basa rekuona nezvesarudzo gore rapera, vakaratidza kuti havagoni kutungamira sarudzo. Vanotiwo voters roll yemunyika inofanirwa kugadziriswa kuitira kuti munyika muve negwaro remazita evanhu vanokwanisa kuvhota zvakanaka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG