Accessibility links

Breaking News

JOMIC Yotsamwiswa neMashoko eMapepanhau eZimpapers


Komiti yehurumende yemubatanidzwa ye Joint Monitoring and Implementation Committee, kana kuti JOMIC, inoti haisi kufara nekunyorwa kuri kuitwa mumapepanhau eZimpapers mashoko ekunyomba uye anogona kukonzera kurwisana munyika.

JOMIC, iyo ine masachigaro matatu kubva ku Zanu-PF nemapato maviri e MDC inoti mashoko ari kubuditswa mumapepanhau aya akaipisisa, uye maitiro akadaro ari kutyora chibvumirano che Global Political Agreement chakaunza hurumende yemubatanidzwa.

Kubudiswa kwemashoko aya mumapepanhau, nedzinhepfenyuro dziri kushandiswa nevezvematongerwo enyika, kwakaita kuti JOMIC inyorere mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, mutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, pamwe nemumwe wevatevedzeri vavo, Va Arthur Mutambara, kuti munyika mugadzwe zviri pamutemo Zimbabwe Media Commission.

Komiti iyi inoti mumapepanhau akazvimirira ega munoonekwavo muine vamwe vanoshandisa mashoko asina kufanira.

Va Elton Mangoma ndivo sachigaro weJOMIC pari zvino. VaMangoma vanoti komiti yavo haisi kufara nezviri kuburitswa nemapepanhau akaita seHerald, Chronicle nemamwe. Vanoti vanovimba kuti manyorero akai, achagadziriswa.

VaMangoma vatiwo JOMIC ichatanga muna Mbudzi kufamba ichiongorora kumira kwakaita zvinhu mumapurazi ari kutorwa nechisimba nevanhu vakarerekera ku Zanu-PF. VaMangoma vanoti komiti yavo inoda kuona kuti kurima nekugadzira chikafu kuri kukanganiswa zvakadii nekubvutwa kuri kuitwa minda iyi.

JOMIC iri kutizve VaMugabe, VaTsvangirai naVa Mutambara, vanofanirwa kugadzirisa boka re National Economic Council, kuitira kuti nyaya dzekugadziriswa kwehupfumi hwenyika dzifambe nechimbi chimbi. JOMIC inoti ichatanga zvakare muna Mbudzi kuenda kuvanhu ichinzwa pfungwa dzavo pamusoro pechibvumirano che Global Political Agreement.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG