Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vopindura VaGono paNyaya yeMari Yakabva kuIMF


Bhazi rezvemari rinoti riri kumirira dare remakurukota kuti ripe bazi iri mvumo yekushandisa mari yechikwereti yakapihwa Zimbabwe ne International Monetary Fund, kana kuti IMF.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvemari, uye vari gurukota rezvekorongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanoti mari inoita US$510 million yakapihwa nyika neIMF kuti ibatsirike, haisati yatanga kushandiswa kudzamara dare remakurukota, pamwe neparamende, zvabvumidza kuti mari iyi ishandiswe.

Mashoko ava Mangoma anopindura mashoko agavhuna webhanga guru renyika, Va Gideon Gono, ekuti mari yakabva ku IMF, pamwe nemazana matatu emamiriyoni emadhora akabva ku Africa Export-Import Bank, iri kuunganidza guruva pasina basa rairi kuita, apo nyika yakatarisana nedambudziko rekushayikwa kwemari yekunze inokwanira nyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaGono parunhare kuti tinzwe divi ravo. Asi VaMangoma vanoti kana dare remakurukota ranzwa hurongwa hwaiswa pasi nebazi rezvehupfumi, richapa masimba emashandisirwo emari idzi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG