Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanovhura Dare reParamende Zviri paMutemo


Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vavhura zviri pamutemo neChipiri chikamu chechipiri cheparamende yechinomwe, vachiti Zimbabwe inoda zvikuru kudyidzana nenyika dzekumadokero.

Asi VaMugabe vatiwo kuti izvi zviitike, nyika idzi dzinofanirwa kubvisa zvirango zvehupfumi zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe. VaMugabe vanonzi vataura pamberi penhengo dzedare reparamende vakazvibata, uye nhengo dzeparamende dzinonzi dzaratudza kufarira mutungamiri wenyika.

Chief Whip weMDC mudare reHouse of Assembly, VaInnocent Gonese, vanoti kunyange hazvo vafadzwa nemamwe mashoko aVaMugabe, havana kufara nenyaya yekuti VaMugabe havana kutaura nezvemitemo yePOSA neAIPPA, iyo inonzi iri kushandiswa mukushungurudza veruzhinji.

Chief Whip weZANU-PF mudare reHouse of Assembly, VaJoram Gumbo, vanotiwo vafara nemimwe mitemo ichaunzwa kudare reparamende.

Asi VaGumbo vanoti havana kufara nekuti nyaya yePOSA neAIPPA hazvina kutaurwa nezvazvo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG