Ukuwo Dynamos ichatamba neHwange
kunhandare yeRufaro neChitatu zvakare.Mitambo iyi iri kuitirwa kuti zvikwata izvi zvazadzise mitambo yazvo yePSL makwikwi eCosafa asati atanga.
Makwikwi eCosafa ane zvikwata gumi nezvina zvinoti South Africa, Mozambique, Zambia, Angola, Swaziland, Lesotho, Namibia, Mauritius, Tanzania, Seychelles, Botswana, Comoros neZimbabwe.
Makwkikwi aya ari kutambirwa muHarare nemuBulawayo kutanga musi wa 17 Gumiguru.
Zvikwata zvine vatambi vari mumakwikwi eCosafa zvinoti zviri kutarisira kuti vatambi ava vachapihwa mukana wekuti vatambire zvikwata zvavo neChitatu.
Gunners pari zvino ndiyo iri pamusoro pePSL log, ichiteverwa neDynamos, kuzouyawo Caps United.
Mukuru wevatambi vechikwata cheGunners, VaWellington Mpandare, vanoti mitambo yePSL ichaenderera mberi neChitatu.