Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neMadzishe

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neChina muHarare nedare remadzishe, vakakurukura zvinhu zvakati wandeyi, izvo zvinosanganisirawo nyaya yezve Article 14 yechibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa, cheGlobal Political Agreement.

Article 14 inoti vatungamiri vakaita semadzishe, machinda pamwe nemasabhuku, havafanirwi kutora mativi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi mamwe madzishe anonzi aitungamira pamhirizhonga yakaitika gore rapera, sezvo vaishanda nevatsigiri veZanu PF mukushungurudza vatsigiri veMDC.

Madzishe anonzi akumbirawo VaTsvangirai kuti hurumende ibvumidze kunyora bvunzo, vana vose vasina kubvisa mari dzekunyora dze“O” ne“A” Level gore rino.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti madzishe afarirawo musangano uyu, uyo wanga uri wekutanga pakati pemadzishe naVaTsvangirai kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG