Accessibility links

Breaking News

IMF inoti Hupfumi hweZimbabwe Huchakwira ne3,7%

Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti hupfumi hweZimbabwe huchakwira ne 3, 7%t gore rino.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi muIMF dzinoti panga pasina kubudirira kwehupfumi muZimbabwe kwamakore gumi nemaviri apfuura.

IMF inotiwo hupfumi hweZimbabwe huchakura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana gore rinouya ra 2010. Mugwaro rayo re 2009 World Economic Outlook, iIMF inoti hupfumi hweZimbabwe hwakadzikira ne 14,1% gore rapera.

Gwaro raburitswa neIMF panyaya yehupfumi iri rakafananawo nezvainge zvakatarisirwa neZimbabwe yemubatanidzwa, izvo zvakataurwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, pavakatura hurongwa hwekushandiswa kwemari mugore ra2009.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinotiwo kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa kwambobatsira kuti hupfumi hwenyika husarambe huchienda kumawere.

Asi nyanzvi idzi dzinoyambirawo kuti kana nyika dzekunze dzikaramba dzakasunga homwe pakupa Zimbabwe rubatsiro, zvichanetsa kuti hupfumi hudzokere pahwakanga huri kare. VaBiti vanoti zvataurwa neIMF zvinofadza asi rwendo rwuchiri rwirefu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

This item is part of
XS
SM
MD
LG