Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vanobatwa neKorera kuChiredzi

Vanhu vashanu vanonzi vakabatwa nechirwere chekorera kuMasvingo mushure mekunge vamwe vashanu vabatwa zvakare nechirwere ichi kuChipinge.

Svondo rapera hurumende yakati vanhu vashanu vakabatwa zvakare nekorera kuChipinge mwedzi uno. Vanhu vatsva vabatwa nechirwere ichi vanogara kuSengwe, pedyo ne Mozambique.

Mukuru wezvehutano mudunhu reMasvingo, Va Robert Mudyandirima, vanoti hurumende iri kuongorora chirwere ichi, pamwe nekutsvaga nzira dzekupedza kupararira kwekorera.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti korera inogona kunetsa zvikuru nekutanga kunaya kwemvura. Korera yauraya vanhu vanodarika zviuru zvina kuba payakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Va Itai Rusike ndivo Executive Director ve Community Working Group on Health. VaRusike vanoti nyika inofanirwa kugadzirisa zvinhu zvakakonzeresa korera gore rapera. VaRusike vanoti kana zvinhu izvi zvisina kugadziriswa, vanhu vakawanda vachawirwa zvakare nedambudziko rekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG