Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Hurumende yeMubatanidzwa Iri Kushanda Zvakanaka

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChishanu vakashora zvikuru nyika dziri musangano reEuropean Union, pamwe nehurumende yeAmerica, vachiti nyika idzi dzakatemera Zimbabwe zvirango zvisiri pamutemo.

Vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly muNew York neChishanu, VaMugabe vati nyika dzakabudirira dziri kuita zvinopesanisa vagari vemuZimbabwe, uye hadzisi kuda kubatsira Zimbabwe nemari kana kubvisa zvirango, izvo vati hazvina nematuro ose.

VaMugabe vaudza vatungamiri venyika zana nemakumi mapfumbamwe nembiri dziri muUnited Nations kuti hurumende yemubatanidzwa muZimbabwe iri kushanda zvakanaka chose, asi vati pane nyika dzakabudirira dziri kupesanisa mapato ari muhurumende yeZimbabwe.

VaMugabe vatiwo Africa inofanirwa kuva nenyika mbiri dzinofanirwa kugara dziri mudare reUnited Nations Security Council nguva dzose.

Vatiwo panofanirwa kuvandudzwa mashandiro eUnited Nations, World Bank neInternational Monetary Fund, kuitira kuti zvido zveveruzhinji zvitevedzerwe, kwete kuti nyika dzakabudirira dzirambe dzichitsikirira nyika dzichiri kusimukira.

VaDewa Mavhinga vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu. VaMavhinga vanoti VaMugabe vanofanira kumira kutyora kodzero dzevanhu, kwete kutaura mashoko ekuti pane nyika dziri kupesanisa mapato ari muhurumende yemubatanidzwa, sezvo vari ivo VaMugabe vari kutadzisa hurumende yemubatanidzwa iyi kuenderera mberi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG