Vaimbowe muporofita aive nemukurumbira Munyika, VaBonface Muponda, vanoti iye zvino yava n’anga yemakoko vachishandira vari kumusha kwavo kuUzumba.
VaMuponda vakaita mbiri makore apfuura aya, vachi uchika vainetseka nekushaya mbereko. VaMuponda, avo vakatanga vachishandira vari kuKuwadzana, vakazobva voenda kwakatambanuka kuNorton sezvo mbiri yavo yakanga yokwezva nevemhiri kwemakungwa vainetsekawo nekushaya mbereko.
Asi vakuru vakati chisinga peri chinoshura. Mbiri yehuporofita hukuru iyi yakazoparara mushure mekunge VaMuponda vasungwa vachipomerwa mhosva dzehungochani, kupamba pamwe nekurova vakomana vaivashandira.
Kunyange hazvo VaMuponda vakazowanikwa nematare edzimhosva vasina mhosva, mbiri yavo yekurapa yakanga yavatiza kare.
Nhasi uno VaMuponda, avo vanoti vave kufamba nemagwenyambira ane mbiri mudunhu mavo, vanoti vari kungoita basa ravaiita pavaive muporofita, uye vachiri kungobatsira vanhu vakawanda.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...