Sangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose reUnited Nations, riri kutarisirwa vhiki rino kutanga kukumbira nyika dzakabudirira nemabhanga makuru kuti vape rubatsiro rwemari inosvika U.S. $1.48 billion kunyika dzichiri kubudirira kuti dzikwanise kurwisa chirwere che H1N1 kana kuti swine flu.
Mari iyi inodiwa kuti ibatsire kutenga mishonga nezvimwe zvinodiwa pakurwisa chirwere ichi, icho chapararira pasi rose. Zimbabwe ine vanhu vanopfuura gumi nevaviri vakabatwa nechirwere ichi asi hapana ati afa nacho sezviri kuitika mune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa.
Mukuru weWorld Health Organisation Mai Margaret Chan vachasangana nevakuru veUnited Nations kuti vaone kuti vobatsira sei nyika dziri pasi, kubva kuAfghanistan kusvika kuZimbabwe.
Sandra Nyaira weStudio 7 abata gurukota rehutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana Dr Henry Madzorera, avo vanoti idanho rakanaka chose rekuti nyika dzakabudirira dzibatsirewo dzichiri kubudirira.
Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...