Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vari Pasi peZimta Vanodzokera kuMabasa Avo

Varairidzi vari pasi pe Zimbabwe Teachers Association, Zimta vamira kuramwa mabasa kwavanga vachiita, zvichitevera chisungo chakabuda nesangano ravo neChishanu.

Zimta inoti yakaona kuti nyaya dzezvematongerwe enyika dzanga dzokanganisa kuramwa mabasa kwavanga vachiita. Mashoko anotiwo nhengo dze PTUZ dzanga dzichirohwa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndevechidiki vebato reZanu PF, vachimanikidzwa kuti vapinde mukuramwa mabasa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi. Asi PTUZ inoti Zimta yava kuona gwara kwaro, kwete zvayanga ichiita zvekuramwa basa vana vechikoro vachiya vanovadzidzisa muzvikoro.

VaTakavafira Zhou ndivo mutungamiri wePTUZ. Va Zhou vanoti vatambaira nemufaro danho rakatorwa neZimta, sezvo sangano ravo ranga ragara richikurudzira Zimta kuti idzokerewo kubasa.

Va Richard Gundani ndivo munyori mukuru we Zimta. VaGundani vanoti sangano ravo harinei nezvematongerwe enyika, uye vanoita zvinenge zvichidiwa nenhengo dzesangano ravo, kwete zvinenge zvichidiwa nevamwe vanhu.

VaGundani vanoti kudzoka kwavaita kubasa kunoreva kuti kutaurirana kuripo pakati pesangano ravo nehurumende, kuchaenderera mberi vana vachidzidza zvakanaka sezvo vava kuenda kumwaka wekunyora bvunzo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG