Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neMasangano Akazvimirira Oga

Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChishanu vaita musangano nemasangano akazvimirira oga wekuzeya gakava riripo panyaya yekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Zvinonzi VaTsvangirai vasangana nehutungamiri hweCrisis in Zimbabwe Coalition, ZIMRIGHTS, Misa-Zimbabwe nechimwe chikwata cheZINASU.

Asi masangano akaita seZCTU, NCA nechimwe chikwata cheZINASU, aramba kusangana nemutungamiri weMDC. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaTsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vakaita musangano kuZimbabwe House neChina, wekugadzirisa kusawirirana kuripo panyaya yekunyorwa kwebumbiro remitemo.

Zvinonzi musangano uyu wakawirirana kuti pave neManagement Committee ichange ichishanda nemasachigaro matatu ekomiti yeparamende iri kuona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Pamusoro pezvo, komiti iyi ichange iine vamiriri vemapato matatu munhaurirano, pamwe negurukota rezvemabasa eparamende nebumbiro remitemo. Zvinonzi pachange painewo Steerng Committee iyo iri kutarisirwa kunge ichitungwamirwa na Professor Phineas Makhurane naDoctor Hope Sadza.

Zvinonzi pachavewo ne Independent Secretariat ichatora basa range richiitwa neparamende ichitungamirwa nemunyori weparamende, VaAustin Zvoma. VaMugabe vanonzi vakatsika madziro panyaya yekuti vemasangano akazvimirira oga vapinde mumakomiti madiki, kana kuti Steering Committees.

Zvinonziwo hapana kuwirirana panyaya yeKariba Draft. MDC iri kuti vakatenderana kuti Kariba Draft ingoshandiswewo semamwe magwaro, asi veMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara neZANU-PF, vanoti Kariba Draft chete ndiyo ichashandiswa.

VaEarnest Mudzengi vapinda mumusangano waVaTsvangirai semuongorori sezvo NCA yakagura hukama neMDC nepamusana penyaya yekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika. VaMudzengi vanoti hapana zvizhinji zvanyanyakuchinja pane zvataurwa naVaTsvangirai.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG