Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheHighlanders Chinotora Fathy seMurairidzi Mutsva


Chikwata cheHighlanders chazivisa kuti chagadza chizvarwa cheku Egypt, VaMohammed Fathy, semurairidzi mutsva wechikwata ichi. VaFathy vari kutora basa ranga richiitwa nemurairidzi wechikwata ichi, Va Madinda Ndlovu, avo vakasiya basa maSvondo maviri apera.

Murairidzi mutsva uyu achabatsirwa basa naVa Philani Mabhena, pamwe naVa Peter Nkomo.

Sachigaro veHighlanders, VaThemba Ndlela, vanoti vari kufadzwa nechibvumirano chavanyorerana naVa Fathy, avo vanonzi vachange vachitambiriswa mari inosvika $2 500 pamwedzi wega wega.

Chibvumirano ichi chinonzi ndechemakore maviri. VaNdlela vanoti vakaona zvakakodzera kuti vape VaFathy mari iyi pamwedzi wega wega.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG