Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veNyika Vokwezva veMabhizimusi eKunze


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti zvicherwa zvemunyika zvinogona kukwezva vemabhizinesi ekunze kuti vadyare mari yavo munyika inoita mabhiriyomi matatu emadhora ekuAmerica pagore rega rega kwemakore matatu anotevera.

VaTsvangirai vati huwandu hwemari inogona kutangiswa mabhizinesi munyika hunogona kusvika pamabhiriyoni gumi nematatu emadhora ekuAmerica panosvika gore ra2018.

Vachitaura pakuvharwa kwemusangano wemazuva maviri weMining Indaba muHarare, VaTsvangirai vati Zimbabwe ine remangwana rakanaka, asi kuti izvi zvibudirire, panofanirwa kuva negwara rehurumende rakajeka, uye rinokurudzira kuremekedzwa kwemitemo yenyika.

Vatiwo hurumende inofanirwa kurasa nyaya yehuori kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyaya dzekuvandudzwa kwehupfumi hwenyika.

Vati hurumende yavo yakazvipira kushanda nemakambani aripo, uye ari kuda kutanga mabasa muZimbabwe, kuitira kuti munyika muve nehurongwa hwekusimudzira nyika.

Vatiwo Zimbabwe inofanirwa kupinda mumakwikwi ari pasi rose, ekukwezva vanhu vanouya kuzodyara hupfumi hwavo munyika. VaTsvangirai vati kuti Zimbabwe ikwanise kupinda mumakwikwi ekukwezva vemabhizinesi pasi rose, nyika inofanirwa kutevedza mirau yezvicherwa uye kuigadzirisa painenge yakashata.

Vati izvi zvinofanirwa kuitwa gore rino risati rapera. VaTsvangirai vatiwo munhu anenge apihwa rezenisi rekuchera zviwanikwa, anofanirwa kuremekedzwa.

Vatiwo zvinhu zvinorwadza kuti zvizvarwa zvemunyika zvanga zvichitadziswa kudyawo rutivi rwenyika, kuburikidza nekuita mabasa ezvicherwa, zvikuru kumabvazuva kwenyika.

VaTsvangirai vati matambudziko akaitika kwaChiadzwa, nedzimwe nzvimbo, haafanirwe kudzokororwa zvakare. Vati sehurumende, vanofanirwa kuferefeta zviri pachena kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaitika kwaChiadzwa, kuitira kuti vakavhiringwa kwaChiadzwa, vaone kuti mitemo yenyika iri kushanda zvechokwadi, izvo zvinozopa kuti varemekedze hurumende yavo.

VaTsvangirai vavhara musangano uyu vachivimbisa vanhu kuti Zimbabwe ine mikana yakawanda yekuti vanhu vatange mabhizinesi.

VaMutumwa Mawere ndimuzvinabhizinesi akabvutirwa mabhizinesi ake nehurumende. VaMawere vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa nehurumende kuitira kuti vemabhizinesi vatanga zvakare kuvimba nehurumende. Vatiwo pari zvino vanenge vachida zvavo kutanga mabhizinesi muZimbabwe, vanenge vachiita izvi nekuda kwavo, sezvo vari kuziva mamiriro akaita zvinhu munyaya dzematongerwo enyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG