Sangano reCentre for Research and Development rinoti vanhu vaviri vanonzi vaichera mangoda zvisiri pamutemo kuChiadzwa, kwaMarange, mudunhu reManicaland, vakapondwa nemasoja svondo rapera.
Sangano iri rakazivisa kuti mumwe wevakapondwa ava, ndaVaMoreblessing Tirivangani vekuHarare, avo vanonzi vakabatwa nemasoja manheru eMugovera, ndokuendeswa kukamba yemasoja aya uko vanonzi vakarohwa usiku hwese vakazoshaya nemusi weSvondo.
Zvinonzi mutumbi waVaTirivangani wakazondeswa nemapurisa kumochari yechipatara cheMutare, uye une mavanga anoratidza kuti vakatochwa.
Chiitiko ichi chinotevera kushanya kwemukuru wemauto, Lieutenant General Phillip Valerio Sibanda, kuChiadzwa svondo rimwe chetero.
Studio7 haina kunzwa divi remauto panyaya iyi. Asi chikwata cheKimberly Process chakashanya munyika mwedzi mishoma yapfuura, chinoti chakaunganidzawo humbowo hwekuti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa kwaMarange.
VaFarai Maguwu ndivo Director weCentre for Research and Development. VaMaguwu vanoti kubva pakapinda masoja mudunhu iri, kushungurudzwa kwevanhu kuchiri kuenderera mberi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...