Accessibility links

Breaking News

Cara Black naLiezel Huber Vanoshaiswa Mufaro naVenus naSerena Willaims

Mutambi wetenesi, Cara Black, nemumwe wake Liezel Huber, vakundwa neMuvhuro mumakwikwi ekupedzisira na Venus na Serena Williams 6-2,6-2. Makwikwi ekupedzisira emutambo wetenesi unotamba nevanhukadzi vaviri vaviri, we Women's Doubles US Open Final, watambirwa kuFlushing Meadows muNew York.

Kunyange hazvo Clara nemumwe wake vakundwa, varatidza kuti vasikana ava inyanzvi chaidzo mumutambo wetenesi. Cara na Liezel vakakunda Rennae Stubbs na Samatha Stosur vekuAustralia neSvondo mu semi-final yemakwikwi aya.

Va Eric Tshapedzi munhu anotevedza zvinri kuitika mumatambo mutenesi, uye vane mwana wavo, Tsabile, anova shasha yetenisi yevechidiki, vanoti vafadzwa zvikuru nematambiro aita Ckara nemumwe wake


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG