Accessibility links

Breaking News

Vana Sachigaro veMakomiti Madiki Vanosarudzwa


Komiti yeparamende iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yakaburitsa mazita evamiriri veparamende gumi nevanomwe vachange vari masachigaro emakomiti madiki achatungamira hurongwa hwekupinda muvanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva.

MDC-T ine masachigaro manomwe, Zanu PF ine manomwe zvakare, ukuwo MDC-M, ine masachigaro maviri, kuchizoitawo mambo mumwe chete.

Vakasarudzwa ava vanosanganisira vaive gurukota rezvehutano uye vari veZanu PF, Doctor David Parirenyatwa, Muzvare Thabitha Khumalo, pamwe naAmai Lucia Matibenga, veMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaMalandu Ncube veMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara.

Zanu PF inonzi ndiyo yanga ichinonoka kuendesa mazita enhengo dzayo kukomiti iyi. Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kuona nezvehurongwa uhu, VaDouglas Mwonzora, vanoti vatevedzeri vemasachigaro aya vanotarisirwa kusarudzwa svondo rino kubva kumasangano akazvimirira, uyewo vanhu vanoremekedzwa munyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG