Accessibility links

Breaking News

MDC Inoudza VaTsvangirai Zvekuita naVaMugabe

Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzopeta maoko avo vachisiya Zanu PF ichiramba ichityora chibvumirana cheGlobal Political Agreement.

VaTsvangirai vanoti zviri pachena kuti mutungamiri weZanu PF, uye vari mutangamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havasi kuremekedza chibvumirano chavakasaina neruoko rwavo. VaTsvangirai vakataura mashoko aya pamusangano webato ravo wakaitirwa muBulawayo neSvondo.

VaTsvangirai vakati MDC iri kuedza nepainogona napo kuremekedza chibvumirano cheGPA, kunyange hazvo nhengo dzayo dziri kugara dzakasungwa pamwe nekushungurudzwa nevaZanu PF nevatsigiri vayo. VTsvangirai naVaMugabe vari kunetsana pamusoro pedanho rakatorwa naVaMugabe vega rekudoma gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nemuchuchisi wehurumende, VaJohannes Tomana, vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Mashoko aVaTsvangirai anotevera musangano wedare repamusoro soro rebato ravo reNational Council, iro rakapa VaTsvangirai nguva shomanani kuti vange vapedzerana naMugabe pazvinhu zvichiri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Asi VaMugabe vanoti havasi kuzodzokera shure panyaya yaVaGono naVaTomana.

MDC iri kuda kuti kana VaTsvangirai naVaMugabe vakatadza kuwirirana, bato iri roendesa nyaya iyi kuvanhu paine chinangwa chekunzwa vatsigiri varo kuti MDC yoramba iri muhurumende yemubatanidzwa here kana kuti kwete.

Imwe nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Va Julius Mutyambizi, vanoti mapato ese ari muhurumende yemubatanidzwa anofanirwa kuti ashande ose zvakanaka, kwete kuita mazvake mazvake nyika ichidzokera shure.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG