Vasungwa vakaregererwa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vanosvika chiuru nemazana mashanu, vaburitswa neChishanu mumajeri mavanga vachipikira mhosva dzavo.
Nguva nenguva VaMugabe vanoregerera vasungwa zviri pamutemo, senzira yekuderedza huwandu hwevanhu vari mumajeri anosvika makumi mashanu nemashanu ari muyika.
Majeri aya anokwanisa chete kugara vanhu vanosvika zviuru gumi nezvinomwe, asi zvinonzi huwandu hwevasungwa hunogona kuva hwapetwa kaviri.
Va Edison Chihota ndivo vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitation of the Offender, Zacro, iyo inobatsira vasungwa munyika.
VaChihota vanoti vanga vari kujeri rek Chikurubi muHarare vachiona kuti chirongwa ichi chafamba seyi, uye kubatsira vanhu vanenge vachida rubatsiro.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...