Musangano wechimakumi maviri nepfumbamwe weSADC wakapera neChipiri muKinshasa kuDRC, wakasiya vakawanda vakahamadzika, zvichitevera kukundikana kwawo kukurukura zvakadzama nyaya yezviri kunetsa muZimbabwe, sezvakanga zvakatarisirwa neveruzhinji.
SADC yakatokurudzira kuti nyika dzinonzi dzakatemera vakuru vebato reZanu PF nevamwe vari muhurumende zvirango, dzibvise zvirango izvi, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ikwanise kushanda zvakanaka.
Pakupetwa kwemusangano weSADC neChipiri, pakabudawo mashoko ekuti SADC yaizoita mumwe musangano wechimbichimbi wekuzeya matambudziko akatarisana nehurumende yemubatanidzwa muZimbawe.
Asi gwaro rekupeta zvakanga zvasungwa pamusangano uyu, harina kubatawo zvakare nyaya yemusangano uyu.
Mamwewo mashoko anoti nyaya yeZimbabwe ichazeyiwa neSADC Troika mumasvondo mashoma anotevera, asi panenge pasisina chiremerera sechingavepo kana nyika dzese gumi neshanu dziri muSADC dzichinge dzaisa misoro pamwe chete panyaya iyi.
Jonga Kandemiiri weStudio 7 akurukura nevanoongorora zvematongerwo enyika vanoti VaFarai Maguwu, Executive Director veCentre for Research and Development, uye vari nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, pamwe naMuzvare Gladys Hlatshwayo, Advocay Officer musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, uye vachiongorora zvematongerwo enyika.
Vaviri ava vanoti zvakaitwa neSADC zvinoratidza kuti iri kutsigira VaMugabe nebato ravo reZanu PF.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...