Chikwata cheHighlanders chazivisa kuti chamisa basa neChitatu murairidzi wacho, Madinda Ndlovu, zvichitevera kusawirirana pamusoro pechibvumirano chavakanyorerana.
Sachigaro wechikwata ichi, VaThemba Ndhlela, vanoti chikwata chavo chichatanga kutsvaga murairidzi mutsva, uyo achatora basa ranga richiitwa naVaNdlovu.
Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaNdlovu kuti tinzwe divi ravo, uye kana vawirirana nedanho ratorwa neHighlanders.
VaNdlela vanoti vaona zvakakodzera kuti chikwata chavo chichekane hukama naVaNdlovu, kuitira kuti zvinhu zvifambire mberi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...