Accessibility links

Breaking News

MDC  Yoita Musangano Mushure Mekuodzwa Moyo neSADC


Bato reMDC radaidzira musangano wechimbichimbi weNational Council neNational Cxecutive uchaitirwa kuBulawayo neMugovera.

Musangano uyu ndewekuzeya nyaya yezvakabuda kuSADC neChipiri, izvo zvisiri kufadza vakawanda mubato iri.

SADC haina kuzeya nyaya yezviri kunetsa muZimbabwe, ichiti nyaya iyi izeyiwe neSADC Troika, iyo ine nyika nhatu dzinoti Mozambique, Angola neSouth Africa. Muchisungo chakabuda mukupera kwemusangano uyu, SADC yakatotaura nezvekuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe nenyika dzakabudirira

Izvi zvinotevera zvisungo zvakabuda nemakurukota eSADC ayo akasangana musungano wevatungamiri veSADC usati watanga neMuvhuro. Zvakaitwa neSADC ndizvo chaizvo zvaidiwa neZANU-PF iyo iri kuti zvinhu zvasara zviri kunetsa ichazvigadzirisa munyika.

Bepanhau reHerald rinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatoudza SADC kuti nyaya yagavhuna webhanga guru renyika Va Gideon Gono, pamwe nemuchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, hadzisi kuzofa dzakataurwa nezvadzo sezvo vasiri kuzodzokera shure pane zvavakaita.

Asi MDC inoti nyaya idzi dzinofanirwa kugadziriswa, uye SADC pachayo yakati gakava iri rinofanirwa kugadziriswa sezvo VaMugabe vakadoma VaGono naVaTomana vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano cheGPA.

Vachitaurawo nevemabhizimisi, vemapato ezvematongwerwo enyika, pamwe nevamwe vakuru muhurumende kuGwanda, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vatiwo hapana kudzokera shure panyaya yehurumende yemubatanidzwa.

Vatiwo vane chivimbo chekuti SADC Troika ichakwanisa kugadzirisa nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Vanelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanotiwo bato ravo rinovimba kuti SADC Troika ichaisa misoro pamwe chete, yogadzirisa nyaya yeZimbabwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG