Vanoona nezvekufambiswa kwakanaka kwezvirongwa
zvehurumende yeAmerica munyaya dze HIV/AIDS pasi rose, VaEric Goosby, vanoti hurumende yavo icharamba ichitsigira Zimbabwe pakurwisa HIV/AIDS
VaGoosby, avo vari kushanya munyika vachiona mamiriro akaita zvinhu
munyaya dze HIV/AIDS, vanoti America ine chido chekubatsira Zimbabwe munyaya dzehutano. Vatiwo nyika yavo icharamba ichipa Zimbabwe rubatsiro, kuitira kuti dambudziko rakatarisana nevanhu vanorarama neHIV/AIDS, risaite mutoro mukuru kuvanhu ava.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekushaya ma ARVs
zvekuti vanhu vazhinji vanoda mapritsi aya, vari kutadza kuwana mapiritsi aya
pachena.
National Aids Council yakaburitsa gwaro svondo rino ichiti hurumende iri kutadza kuwedzera vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu vanoda maparitsi, kubva pavanhu zana nemakumi manomwe ezviuru vari pachirongwa chemishonga yema ARV.
Gurukota rehutano, Va Henry Madzorera, vanoti hurumende inoda kuwedzera huwandu hwevanhu vanofanirwa kupihwa ma ARVs. NAC inoti iri kutadza kubatsira vese vanoda mapiritsi aya. Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti NAC iri kutadza kuwanira vanhu ma ARVs nekuti haisi kushandisa mari dze Aids levy nenzira kwayo.
Va Frenk Guni ndivo Technical Director mubazi re HIV/AIDS and Infectious Diseases musangano re Management Systems International.
VaGuni vanoti
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...