Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti SADC Ngaiomesere VaMugabe

Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti musangano weSADC unofanirwa kutora matanho akaomarara zvikuru pamusoro pekutyorwa kuri kuitwa chibvumirano cheGlobal Political Agreement muZimbabwe.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare neChipiri. VaTsvangirai vati zvinhu zvakawanda zvakabvumiramwa, hazvisati zvaitwa kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ifambire mberi.

VaTsvangirai vatiwo SADC yakavimbisa kuti ichange ichiongorora mafambiro ari kuita hurumende yemubatanidzwa, nokudaro musangano wesvondo rinouya unofanirwa kuona kuti wazeya zvakadzama zviri kuitika muhurumende yemubatanidzwa.

SADC iri kuita musangano wayo mukuru wepagore svondo rinouya kuDemocratic Republic of Congo, apo nyaya yeZimbabwe ichaiswa mudariro kuti izeyiwe.

Zvimwe zvezvinhu zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa inyaya yekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nekugadzwa kwemuchuchisi mukuru, VaJohannes Tomana, uye kusagadzwa kwemagavhuna eMDC akadomwa nebato iri.

Vamwe muMDC vanoti havasi kufara zvachose nemaitiro aVaMugabe ekuti vari kuramba kugara pasi kuti vapedzise nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

MDC inoti VaMugabe vave kugara vari kunze kwenyika vachisiya imba ichibvira. Kumusangano wakaendwa naVaMugabe kuLibya, nyika dzakaita seSouth Africa, Ghana, Nigeria, nedzimwe dzakawanda, dzakatumira vatevedzeri vevatungamiri venyika idzi kumusangano wekuLibya.

VaCharles Mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaMugabe vari kuramba vachibata vamwe vavo kumeso.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG