Musangano wekuyeza zvichiri kunetsa muhurumende yemubatanidzva, uyo wanga wakatarisirwa kuitwa neMuvhuro pakati pemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mubage, mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata che MDC, VaArthur Mutambara, unonzi watadza kuitika sezvo VaMugabe vasiri munyika.
VaMugabe vanonzi vari ku Libya kumusangano we African Union. Sachigaro veSADC, uye vari mutungamiri we South Africa, VaJacob Zuma, vakakomekedza VaMugabe, VaTsvangirai pamwe naVaMutambara neChishanu kuti vaite musangano wechimbi chimbi wekugadzirisa zviri kunetsa.
VaZuma vanonzi vakayambirawo VaMugabe kuti varemekedze chibvumirano chavakanyorerana nevamwe vavo musangano mukuru wepagore we SADC usati waitwa svondo rinouya.
Musangano weSADC summit uyu uchaitirwa ku DRC musi wa 7 kusvika musi wa 8 Gunyana.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti ZANU PF yava kutsika madziro panyaya yekuti kugadzwe magavhuna eMDC mumatunhu, pamwe nekugadza Va Roy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.
Zvinonzi MDC inotungamirwa naVa Tsvangirai yatanga kuunganidza humbowo hwekutyorwa kuri kuitwa chibvumirwano cheGlobal Political Agreement neZanu PF, uho hwaichatura kumusangano weSADC uyu.
Ukuwo Zanu PF inonzi ichaudza SADC kuti MDC iri kutyorawo chibvumirano ichi nekusakurudzira kubviswa kwezvirango zvainoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzakabudirira.
Sangano reHuman Rights Watch raburitsa gwaro neMuvhuro ichikurudzira vatungamiriri veSADC kuti vaomesere Zimbabwe kuitira kuti iremekedze kodzero dzevanhu. Sangano iri rinoti Zanu PF iri kuramba ichityora GPA, uye kodzero dzevanhu.
Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongero enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe.
VaMakumbe vanoti havaone zviri kunetsa
muhurumende yemubatanidzwa zvichigadziriswa musangano weSADC usati waitwa svondo rinouya.