Accessibility links

Breaking News

Gurukota reDzidzo, VaDavid Coltart, Vanotadza Kusangana neVarairidzi


Masangano anomirira varairidzi eZIMTA nePTUZ, anoti nhengo dzawo dzichaenderera mberi nekuramwa mabasa, sezvadzakaronga, sezvo musangano wanga uchitarisirwa kuitwa pakati pemasangano aya nehurumende, usina kuzobudirira.

Hurumende inonzi yakazivisa munhepfenyuro kuti ichasangana nevarairidzi kutanga kwesvondo rino, kuitira kudzivirira kuramwa mabasa kwakarongwa nevarairidzi panovhurwa zvikoro nemusi weChitatu svondo rino.

Masangano aya anoti haasati akokwa nehurumende kuti vasangane, nekudaro vachaenderera mberi nehurongwa hwavo hwekuramwa mabasa.

PTUZ inoti ichatanga kusangana nenhengo dzayo svondo rinouya kuti inzwe pavamire.

Sangano reZIMTA rakazivisa svondo rapera kuti nhengo dzaro dzicharamwa mabasa, dzichiti dzinoda kuwedzerwa mari dzemihoro, uye kupiwa mari dzekubatsirika.

Asi gurukota rezvedzidzo, Seneta David Coltart, avo vasangana negurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamusoro penyaya iyi, vaudza Studio7 kuti bazi ravo rakundikana kubata hutungamiri hweZIMTA kuti vaite musangano uyu. VaColtart vanoti vasiya shoko kumahofisi esangano iri, kuitira kuti vazovafonera.

Asi PTUZ inoti yazotambira shoko kubva kuna VaColtart rekuti vaite musangano mangwana.

Mutungamiri weZIMTA, Amai Tendai Chikowore, vanoti nhengo dzavo dzicharamba dziri pakuramwa mabasa kudzamara zvichemo zvavo zvagadziriswa nehurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG