Accessibility links

Breaking News

PSL Yozeya neVamiriri veZvikwata zveNhabvu Zviri Kunetsa

Vamiriri vezvikwata gumi nezvitanhatu zviri mu Premier Soccer League, PSL, vaita neChishanu musangano mukuru nevatungamiri vePSL wekuzeya mafambisirwo ari kuita mutambo wenhabvu munyika.

Vange vari mumusangano umu vanoti vaudzwa kuti vambomira kutaura nevatori venhau zvabuda mumusangano wavo.

Sachigaro vePSL, VaTapuwa Matangaidze, vaudza Studio7 kuti musangano uyu wafamba zvakanaka, asi havana kuda kutaura zvakawanda.

Sachigaro veKiglon, VaAmon Makwara, vanoti musangano uyu wafamba sezvawanga uchitarisirwa kuita, asi havanawo kuda kutaura nezvemusangano uyu.

Nyanzvi munyaya dzenhabvu dzinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muPSL, sezvo zvikwata zvakawanda zviri kunzi hazvina mari. Zvinonziwo sangano iri harisi kuwana rubatsiro rwakawanda kubva kumakambani ari munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinotiwo zvikwata zvenhabvu hazvisi kuwana mari dzakawanda sezvo vanhu vari kuomerwa nehupenyu, izvo zviri kuvatadzisa kuenda kunoona mitambo yenhabvu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…


XS
SM
MD
LG