Varairidzi vari pasi pe Zimbabwe Teachers Association, ZIMTA, vati vachatanga kuramwa mabasa svondo rinouya pachavhurwa zvikoro.
Vadzidzisi ava vari kuda kuti hurumende iwedzere mari dzavanotambira kusvika pamazana manomwe emadhora eku America.
Asi vamwe varairidzi vari pasi pe Progressive Teachers Union, PTUZ, vari kuti havasi kuzoramwa mabasa nekuti vadzidzisi munyika havana kubatana. Vatiwo varairidzi vapindwa nekutya kuti hurumende ingangovadzinga mabasa sezvakaitwa vana chiremba vakanga vachiramwa mabasa.
Munyori mukuru we PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti kunyange hazvo vasiri kufarira mari dzavari kutambiriswa, vachatanga vataura nenhengo dzavo kuitira kuti vazive gwara rekutora.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...