Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanosvika muHarare Kuzogadzirisa Matambudziko muHurumende yeMubatanidzwa

Mutungamiri weSouth Africa, uye vari sachigaro weSADC, VaJacob Zuma, vakapinda munyika neChina kuzoita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

VaZuma vari kutarisirwa kugadzirisa nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, idzo dzinosanganisira humbimbindoga hwaVaMugabe hwekudoma gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kugadza muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, kungosungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC, nyaya dzemagavhuna, pamwe nekusatoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima. VaZuma vari kutarisirwawo kuvhura Harare Agricultural Show neChishanu.

VaZuma vanonzi vamirira VaMugabe panhandare yendege muHarare, sezvo VaMugabe vanonoka kusvika kuzochingamidza VaZuma. Musangano waVaZuma wavanga vachifanirwa kuita nevatori venhau panhandare, hauna kuzoitwa, Hazvinawo kutsanangyrwa kuti seyi izvi zvisina kuzoitwa, uye kuti chii chanonotsa VaMugabe.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti vari kutarisira kuti nyaya yaVaGono naVaTomana dzigadziriswe naVaZuma.

VaEdwin Mushoriwa ndivo mutauriri wechikwata cheMDC chinotungamirwa naVaArthur Mutambara. VaMushoriwa vanoti zvakakosha kuti VaZuma vagadzirise zvose zvasara.

Ukuwo vanoona nezvekuvafambiswa kwemabasa muZanu PF, uye vari gurukota rehurumende, VaDidymus Mutasa, vanoti VaZuma vanofanira kutaura nyaya dzezvirango chete kwete kuteerera MDC iyo vati iri kuita sepwere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG