Accessibility links

Breaking News

ANC Inoti VaZuma Vachabudira VaMugabe Pachena


Mutungamiri weSouth Africa, uye vari sachigaro weSADC, VaJacob Zuma, vari kutarisirwa kutanga neChina kuita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Hofisi yaVaZuma inoti varume ava vachazeya nyaya yezviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. Munyori mukuru webato reANC mu South Africa, VaGwede Mantashe, vanoti VaMbeki vachataura chokwadi pane zviri kuitika muZimbabwe, zvikuru nyaya dziri kunetsana vakuru vezvematongerwo enyika, uye kushungurudzwa kwenhengo dzeMDC muparamende.

VaMantashe vatiwo VaZuma vachaedza nepavanogona napo, uye vachabuda pachena panyaya yeZimbabwe kudarika zvaimboitwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Vanoshora zvaiitwa naVaMbeki vanoti VaMbeki vakatadza kuomesera VaMugabe kuitira kuti vasashungurudze pamwe nekudzvanyirira vanovapikisa muZimbabwe.

Murwendo rwavo kuZimbabwe, VaZuma vanonzi ndivo vachavhura Agriculture Show yegore rino neChishanu.

Dzimwe nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, inyaya yehumbimbindoga hwaVaMugabe hwekudoma gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kugadza muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, kusungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC, nyaya dzemagavhuna, pamwe nekusatoreswa mhiko kwaVa Roy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaMsekiwa Makwanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMakwanya vanoti zvichatora nguva kugadzirsa dambudziko reZimbabwe.

Ukuwo masangano akazvimirira oga anoti ari kutarisirawo kusangana naVaZuma kuitira kuti vavazivise zvichemo zvavo pamusoro pekutyorwa kuri kuitwa chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Masangano aya anosanginisira Crisis in Zimbabwe Coalition, NANGO ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mutauririn weNANGO, VaFambai Ngirande, vanoti masangano aya achapa VaZuma ongororo yawo pazvinhu zvisiri kutevedzwa nehurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG