Accessibility links

Breaking News

Heath Streak Anopihwa Basa neZimbabwe Cricket


Vatsigiri vemutambo we cricket vanoti vari kufadzwa nekugadzwa kweaimbove mutungamiri wevatambi vechikwata cheZimbabwe Cricket, Heath Streak, semurairidzi webowling achange achirairidza vatambi.

Streak akamiswa kuve mutungamiri wevatambi wechikwata cheZimbabwe Cricket muna Kubvumbi 2004, izvo zvakakonzera kuti vatambi vazhinji vechichena varamwe basa panguva iyoyo.

Streak akambotambira kunze kwenyika asati adzoka gore rino. Chief Executive Officer veZimbabwe Cricket, VaOzias Bvute, vanoti Streak achange achibatsira kusimbaradza zvikwata zvemutambo uyu zviri mumatunhu mashanu.

Muongorori wemutambo we cricket, Brian Goredema, anoti chinhu chakanaka kuti Streak adzoka kuzobatsira nyika yake mumutambo we cricket.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG