Accessibility links

Breaking News

Bazi reHutano Rotarisana neMatambudziko Akawanda

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kudzoka kwechirwere chekorera munyika, zvinoreva kuti chirwere ichi chiri kunetsa kupera kwacho.

Mumwe wenyanzvi idzi, Executive Director veCommunity Working Group on Health, VaItayi Rusike, vanoti zvichitevera kupera kwakambenge kwaita chirwere chekorera, masangano anobatsira akamisawo mabasa awo ekuriswa korera, izvo zvapa kuti chirwere chekorera chidzoke vanhu vasina kugadzirira.

Vanhu gumi nevaviri vanonzi vakabatwa nechirwere chekorera kwaMusikavanhu kuChipinge mudhunu reManicaland. Kubvira mwedzi waNyamavhuvhu gore rapera, chirwere ichi chakauraya vanhu vanosvika 4 288, uye vanhu zana rezviuru vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga gore rapera.

Mune imwewo nyaya, zvichitevera kudzingwa basa kwakaitwa vamwe vana chiremba vachiri kupeta zvidzo zvehunyanzvi muzvipatara zvehurumende, vamwe vana chiremba vanga vasati vapihwa tsamba ekudzingwa basa, vakabva vadzokera kumabasa.

Nzvimbo dzinosvikira varwere dzanga dzavharwa kuHarare Hospital ne Parirenyatwa, dzinonzi dzavhurwa zvakare. Asi vamwe vana chiremba vanonzi vachiri kuramwa mabasa ku Bulawayo vachiti hurumende inofanirwa kudzosa pamabasa vamwe vavo vakadzingwa.

Va Brighton Chizhande ndivo mutungamiri we Zimbabwe Hospital Doctors Association. Dr Chizhande vanoti kudzinga basa kwakaitwa vana chiremba, hakuna zvakunobatsira, sezvo munyika musina vana chiremba vakawanda.

Ukuwo Dr Ngonidzashe Madidi, sachigaro weZimbabwe Hospital Doctors Association – Bulawayo Chapter, vanotiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka muBulawayo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG