Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Vanoda US$500 paMwedzi

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, rePublic Service Association (PSA) rinoti kana vashandi vakasawirirana nehurumende panyaya dzemihoro yavari kuda, vacharamwa mabasa.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti vatambire mari dzinobvira pa US$402.00 pamwedzi, uye pamusoro pemari iyi, vanoda zvakare US$100.00 yekubatsirika pakufamba nepekugara.

Pamusangano wakaitwa svondo rapera pakati pevashandi nevashandirwi, zvinonzi vaimirira hurumende vakakumbira mazuva gumi nemana ekuti vazeye nevakuru vavo vasati vazivisa matanho avachatora.

Hurumende iri kuchema chemawo kuti haina mari. Pari zvino mushandi wepasi ari kutambira zana remadhora eku America pamwedzi. Studio7 haina kukwanisa kutaura negurukota revashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Munyori wePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva, vanoti vari kutarisira kusangana zvakare nehurumende panopera mazuva gumi nemana kuti vanzwe zvavachapiwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG