Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanobaya Zanu PF paMoyo kuNyanga?

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vanoti chakanga chisiri chinangwa chavo kutsamwisa makurukota eZanu PF, apo vakati hurumende yemubatanidzwa yakaumbwa mushure memhirizhonga yakaitika gore rapera.

Vachitaura kuNyanga mumashoko avo ekupeta musangano wemakurukota wekuzeya mazuva zana hurumende yemubatanidzwa yaumbwa, VaMutambara vakayeuchidza vanhu kuti sarudzo dzegore rapera dzakaitwa zvine mhirizhonga mukati, zvinova zvinhu zvinoshoresa nyika zvikuru.

Mashoko aya anonzi akatsamwisa mamwe makurukota eZanu PF aive mumusangano uyu, izvo zvakabva zvaita kuti vabude mumusangano uyu VaMutambara vachitaura.

Asi VaMutambara vanoti chinhu chakakosha zvikuru kuti vana veZimbabwe vazive nhoroondo yakasvitsa kuti kuve nehurumende yemubatanidzwa. VaMutambara vanotiwo vanhu vanofanirwa kutambira chokwadi kuitira kuti nyika ifambire mberi, kwete kufadzana nemanyepo.

VaMutambara vatiwo havasi kuzokumbira ruregerero kuvanhu vanoti vakatsamwisa nemashoko avo, nekuti vakataura chokwadi chizere chinofanirwa kuzivikanwa nemakurukota ose ari muhurumende.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG