Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozeyera kuNyanga Hurongwa hweMazuva Zana

Makurukota ehurumende achitungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vari kutarisirwa kuita musangano wekuzeya chirongwa chavo chemazuva zana kuTrotbeck Inn kuNyanga kubva Mugovera kusvika musi weSvondo.

Musangano wakadai ndewe Chipiri kubva zvakaparurwa chirongwa ichi muna Chivabvu kuVictoria Falls. Vamwe muZanu PF neMDC vari kuda kushandisawo mukana uyu kutaura pamusoro penyaya dzisati dzagadziriswa muhurumende yemubatanidzwa, kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Asi vamwe vari kutsika madziro vachiti nyaya dzasaririra idzi ngadzisiirwe kuvatungamiri vemapato ari muhurumende.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti zvematongerwo enyika hazvisi kuzotaurwa kumusangano uyu.

Amai Magaret Dongo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vaimbotungamira bato reZUD. Amai Dongo vanotiwo kuenda kumisangano yakadai kutambisa mari yehurumende iyo isina mari.

Amai Dongo vanoti misangano yakadai inofanirwa kuitirwa kumahofisi emakurukota aya, kwete kuenda kumahotera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG