Accessibility links

Breaking News

Inflation yeMwedzi waChikunguru Inosvika pa 1%

Bazi reCentral Statistical Office, CSO, neChitatu rakazivisa kuti inflation yemunyika yemumwedzi waChikunguru, yakakwira kusvika pa one percent, kubva pa 0.6 percent mumwedzi waChikumi.

Bazi iri rinoti zvakanyanyokwidza inflation kukwira kwemitengo yemafuta edzimotokari, pamwe nemari dzinobhadharwa pakufamba.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi dzinoti zvimwe zvakakonzera kukwira kweinflation, inyaya yekuti zvinhu zviri kutengeswa, zvizhinji zvacho zviri kubva kunze kwenyika izvo zvinozoita kuti zvidhure kana zvapinda munyika.

Vamwe vanoti kunetsa kwemari yekunze kwakawedzerawo mukukwira kweinflation uku.

VaLuxon Zembe inyanzvi munyaya dzezvehupfumi. VaZembe vanotii chinofanirwa kuitwa apa kutora matanho anoderedza inflation akaita sekupinza mafuta edzimotokari akawanda munyika pachishandiswa pombi inodhonza mafuta kubva kuBeira, uye kuderedzwa kwemitero yezvivakwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG