Mapurisa emuHarare neChitatu akasunga nhengo dzeparamende gumi dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.
Nhengo idzi dzasungirwa kumahofisi egurukota rezvemari, VaTendai Biti, apo dzanga dzaenda kunoona munyori webazi iri, Va Willard Manungo, pamusoro pemari dzekutenga dzimotokari dzavakavimbiswa.
Hurumende yakati ichapa nhengo dzeparamende mari inosvika makumi matatu ezviuru zvemadhora ekuAmerica pamunhu sechikwereti chekuti vatenge dzimotikari. Nhengo idzi dzinoti dzimwe nhengo dzeparamende dzeZanu PF dzakatopihwa mari idzi, izvo zvapa kuti vaende kunobvunza nezvemari dzavari kufanirwa kupihwa.
Vasungwa ava vari kunzi vakachengetedzwa kuHarare Police Central, uye gweta ravo, VaTafadzva Mugabe, vanhu ava vasungirwa mhosva yekukanganisa
runyararo.
Mumwe wevasungwa ava, mumiriri weMakoni South mudare reparamende, Va Pishai Muchauraya, vanoti havaoni mhosva yavanonzi vapara, sezvo vasina kuita zvemheremhere pavasvika pamahofisi egurukota rezvemari.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano kuti tinzwewo mafambiro aita nyaya iyi.
Studio7 haina zvakare kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, VaWayne Bvudzijena, kuti chii chaizvo chaitika chapa kuti nhengo dzeparamende idzi dzisungwa.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...