Accessibility links

Breaking News

Zvematongerwo eNyika Zvopinzwa muZMC


Masarudzirwo akaitwa vanhu vachange vari makomishina mu Zimbabwe Media Commission, ZMC, aunza mutauro mukuru zvichitevera kuburitswa kwemazita evanhu gumi nevaviri akaendeswa neparamende kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Zvichitevera bvunzo dzakaitwa, komiti yeparamende yaisarudza vanhu ava, yakabuda nemazita evanhu gumi nevaviri vakakunda vamwe vavo. Izvi zvaifungidzirwa kuti mazita eshasha gumi nembiri idzi, ndiwo aizoendeswa kuna VaMugabe.

Asi mutauriri weparamende, Va Lovemore Moyo, vakaudza Studio7 kuti vanhu vakaita saVa Chris Mutsvangwa, avo vanonzi vakanga vari panhamba 19, vakaiswa pavanhu gumi nevaviri vakaendeswa kuna VaMugabe.

Kunyange hazvo paine mazita evanhu vatanhatu vari kuda kuitwawo nhengo dze Broadcasting Authority Zimbabwe, vakaona maitirwo akaitwa bvunzo vanoti VaMutsvangwa vange vasingakodzere kupinda pavanhu gumi nevaviri vari kuda kuitwa makomishina.

Bepanhau repa internet, re Zimbabwe Times, rinotiwo VaMutsvangwa vanga vasingakodzeri kuva mu ZMC pachitariswa zvakabuda mubvunzo.

Vamwe vakabviswa pavanhu vakanga vasarudzwa nekomiti yeparamende, ndiVaRoger Stringer.

VaThabani Moyo ndivo Advocacy Officer veMISA-Zimbabwe, sangano riri kuongorora mafambiro ari kuitwa vanhu vachange vari muZMC neBAZ. VaMoyo vanoti zvakasarudzwa nekomiti yeparamende, zvakazopindirwa nevezvematongerwo enyika, avo vakawirirana kuti vanhu vakange vasina kuita zvakanaka mubvunzo, vapindewo muZMC. VaMoyo vanoti kuita kwakadai kunovhiringidza hurongwa hwekuita zvinhu muchokwadi, uye zvinopa mibvunzo mikuru kumashandiro ehurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG