Mashoko anoti mutauriri weparamende, VaLovemore Moyo, vazivisa nhengo nhatu dzebato reMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, dzinoti mumiriri weNkayi South, VaAbednico Bhebhe, mumiriri weLupane East, VaNjabuliso Mguni, pamwe nemumiriri weBulilima East, VaNorman Mpofu, kuti havachisiri nhengo dzedare reparamende.
Izvi zvinonzi
zvinotevera chiziviso chakaitwa nebato iri kudare reparamende, chekuti vatatu
ava vakanga vasisiri nhengo dzebato iri zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa nebato iri. Bato iri rakapawo VaMoyo kusvika neChipiri kuti vange vazivisa nhengo nhatu idzi, uye vakatadza kuita izvi, vaizovasungisa.
Bepanhau repa internet reRadio VOP, rinoti munyori weparamende, VaAustin Zvoma, ndivo vazivisa nezvedanho iri, uye kuti VaMoyo vakatozivisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nezvezvigaro zvitatu zvisisina vanhu muparamende.
VaLovemore Moyo varamba kuti vatora matanho aya panyaya iyi, vachiti kana vaine matanho
avachatora, vanotanga vazivisa varume vatatu ava vasati vaburitsa zvavanenge
vasunga. VaMoyo havanawo kukwanisawo kubuda pachena pamubvunzo watavabvunza
wekuti vatatu ava vachiri nhengo dzeparamende here. VaMoyo vangoti nyaya iyi ichiri kuzeiwa.
Ukuwo VaBhebhe vanoti havana chavati vaziviswawo pamusoro pedanho iri. Asi vamwe muMDC yaVaMutambara, vanoti vanzwa kuti vatatu ava havachisiri nhengo dzeparamende.
VaFarai Maguwu vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reCentre for Research and Development. VaMaguwu vanoti bato iri harinyanyorasikirwa sezvo vanhu ava vanga vachinzi vanotsigira bato raVaTsvangirai. VaMaguwu vatiwo nhengo idzi dzine mukana wekukwikwidza kana pakaitwa sarudzo dzekutsvaga nhengo dzichatsiva vatatu ava nokuti chibvumirano chemapato matatu ari muhurumende chekuti asakwikwidzane kana paita chinzvimbo mukati memwedzi gumi nemiviri kubva pakanyoreranwa GPA, chisingabate vanhu vasiri muchibvumirano ichi.
Chibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa chakanyoreranwa pakati pemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, pamwe nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, musi wa 15 Gunyana. Gore rimwe chete rinokwana musi wa 14 Gunyana.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti kuti mapato ari muhurumende asakwikwidzane, zvinzvimbo zvasiiwa nevarume ava zvinofanirwa kutsiviwa nekukurumidza, kunyange hazvo VaBhebhe nevamwe vavo vachikwanisa kukwikwidza vakazvimirira.
Mutemo wesarudzo unosungira mutauriri weparamende kuudza mutungamiri wenyika kuti pave nechinzvimbo muparamende apo zvinenge zvitika muparamende. Mushure mekuudzwa izvi, mutungamiri wenyika anofanirwa kuburitsa mu Gazette mukati memazuva gumi nemana kubva musi wavanenge vaziviswa, kuti muparamende mava nechinzvimbo chinofanirwa kukwikwidzwa.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...