Accessibility links

Breaking News

Vana Mukoti, Vana Chiremba Vobatana muKuramwa Mabasa


Vana mukoti vepaHarare Hospital vatanga neChipiri kuramwa mabasa vachibatana navana chiremba vachiri kupeta zvidzidzo zvehunyanzvi muzvipatara zvehurumende, avo vava nemasvondo matatu vachiramba kushanda, vachiti hurumende inofanirwa kutanga yawedzera mari dzavanotambira, uye kuti vapihwewo mari dzekubatsirikana.

Vana chiremba ava vari kti vanoda mari dziri pakati pezviuru zviviri nemazana mashanu nezviuru zvitatu zvemadhora eku America pamwedzi wega wega.

Kuramwa mabasa uku kunonzi kwapa kuti nzvimbo dzinosvikira varwere vanorapwa vachibva kudzimba dzavo, ivharwe pa Harare Hospital. Varwere vanga vachibatsirwa pachipatara ichi vabva vabuditswa kuti vaende kudzimba dzavo, vamwe vanonzi vaendeswa kuParirenyatwa. Kunyange hazvo vamwe varwere vanga vachiendeswa kuParirenyatwa, vana mukoti vepachipatara ichi vanonziwo vari kuda kuramwawo mabasa vachitiwo mari dzavari kutambiriswa ishoma zvikuru.

Zvipatara zvikuru zve Parirenyatwa, Harare, Bulawayo General, ne Mpilo, zvinonzi hazvisi kutora varwere vatsva nekuti vana mukoti navana chiremba vakuru vari kutadza kuchengeta varwere vavainawo kare muzvipatara izvi.

Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vari kukurudzira vana chiremba nava mukoti kuti vadzokere kumabasa, vachiti zvavari kuita zviri kudzosera shure donzvo rehurumende rekugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehutano munyika.

Dr Brighton Chizhanje ndivo mutungamiri we Zimbabwe Hospital Doctors Association. Dr Chizhanje vaudza Sandra Nyaira weStudio7 kuti kunyange hazvo vaine chido chekuita basa ravo vachibatsira varwere, hupenyu huri kuvaomerawo sezviri kuita munhu wese, nokudaro hurumende inofanirwa nekuvafadza nekuvapa mari dzinoita kuti vakwanise kurarama.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende inofanirwa kugara pasi yotaura nyaya iyi navana chiremba, sezvo makakava ose achipera nekutaurirana. Nyanzvi idzi dzinoti apo vana chiremba vari kunetsana nehurumende, varwere ndivo vari kushipika zvikuru.

Va Itai Rusike vanoongorora zviri kuitika munyaya dzehutano uye vari executive director veZimbabwe Working Group on Health. VaRusike vanotiwo vana chiremba vanofanirwa kuzivawo kuti varwere ndivo vari kuyaura zvakanyanya apo vari kunetsana nehurumende. VaRusike vanotiwo hurumende inofanirwawo kunzwa zvichemo zvavana chiremba pamwe navana mukoti kuitira kuti gakava riripo ripedzwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG