Accessibility links

Breaking News

VaMugabe, VaTsvangirai, Vochema Kushaya kwaVaMushonga


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaenda neMuvhuro kunobata maoko mhuri yekwaMushonga, zvichitevera kushaya neMugovera usiku, kwa Dr Christopher Mushonga.

Dr Mushonga ndivo murume wegurukota rezvekubatana kweZimbabwe nenyika dziri mumatunhu akasiyana siyana, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga.

Vachitaura kumhuri yekwaMushonga, VaMugabe vati vakarwadzikana zvikuru pavakanzwa kuti VaMushonga vashaya. VaMugabe vati vakatanga kuziva VaMushonga kare kare, apo vakanga vari nhengo dzevechidiki, uye vachiratidza kuti vaida kudzidza zvikuru, sezvayiitwawo namushakabvu Eddison Zvobgo.

VaMugabe vati kushaya kwaVaMushonga kwaitika apo mudzimai wavo ava nhengo yehurumende yemubatanidzwa. Vatiwo hurumende ichabatsira parufu rwaVaMushonga.

Vamwe vaenda kunobata maoko mhuri yekwaMushonga, vanosanganisira mutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, Va Arthur Mutambara.

VaTsvangirai varemekedzawo VaMushonga pabasa ravakaita mukubatsira kuumbwa kwe MDC. VaMushonga, vasiya mudzimai nevana vapfumbamwe.

VaMushonga, avo vakamboita mutevedzeri wameya weHarare, vashaya vava nemakore makumi manomwe nematatu, uye vari kutarisirwa kuvigwa nemusi weChishanu kuChishawasha Mission.

Va Brian Kagoro akamboshanda naVa Mushonga kwenguva yakareba. VaKagoro vanoti VaMushonga munhu ange aine chido nenyika yake, uye vange vachida kuona Zimbabwe yakasununguka.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG