Accessibility links

Breaking News

Makano Oburitsiranwa muZanu PF neNyaya yeKutsiva VaMsika

Zanu PF inonzi yaita musangano wayo wedare repamusoro rePolitiburo neChina muHarare. Hapana ari kuziva kuti zvii zvanga zvichikurukurwa nevakuru muZanu PF.

Asi nyaya inonzi iri kunetsa mubato iri pari zvino, ndeyekuti ndiyani achatsiva mushakabvu Joseph Msika, semutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti zvikwata zviviri zvagara zvichinetsana muZanu PF, zvinoti chikwata chinotungamirwa na Retired General Solomon Mujuru, nechimwe chinotungamirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvinonzi zvatoburitsirana kare makano panyaya iyi misodzi yekuchema VaMsika ichiri minyoro pamatama.

Sachigaro weZanu PF, VaJohn Nkomo, vanonzi vari kutsigirwa nechikwata chaVaMujuru kuti vatore basa rakasiiwa naVaMsika. Pachitariswawo hukuru muZanu PF, VaNkomo ndivo vanofanirwa kutora chinzvimbo chaVaMsika mubato, izvo zvinozopa kuti vaitwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Zvinonzi pachaita makakatanwa makuru muZanu PF pakutsvagawo munhu achatsiva VaNkomo kana vakwidziridzwa. VaMnangagwa, avo vakakundwa naVaNkomo muna 1999, vanonzi vanodawo kukwikwidza chigaro ichi.

Asi chikwata chaVaMujuru chinonzi chiri kuti chigaro ichi chinofanira kusiirwa kune vanhu vaiva mu PF ZAPU, kuitira kuti pave nekuenzana muhutungamiri hwe presidium muZanu PF.

Vamwe muZanu PF vanonzi vari kuda kuti VaDumiso Dabengwa, avo vakabuda mubato vachida kumutsiridza PF ZAPU, vadzoke mubato kuitira kuti vatore chinzvimbo chanetsa ichi. Asi zvinonzi VaDabengwa vari kuti vakafuratira kare Zanu PF.

Vamwe vari kunzi vakandawo nguwani dzavo mudariro, igurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, uye gavhuna weBulawayo, VaCain Mathema.

Varume ava vanonzi vatotanga kare kutsvaga rutsigiro mumapepanhau ehurumende nemudzinhepfenyuro.

VaCharles mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti Zanu PF ikasagadzirisa nyaya iyi inenge yoenda kumawere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG