Accessibility links

Breaking News

Mijaho yeMotokari Kupera kweMwedzi Uno


Vatyairi vemotokari gumi nevatanhatu vachange vakamirira Zimbabwe mumakwikwi e Toyota Zimbabwe Challenge Rally, ayo ari kuitirwa muHarare.

Makwikwi aya ari kutanga musi wa28 kusvika musi wa 30 Nyamavhuvhu. Nyika dzinoti Kenya, Uganda, South Africa, Namibia pamwe neZimbabwe ndidzo dzichange dziri mumakwikwi aya.

Development Officer ve Zimbabwe Motor Sport Federation, Va Temba Mazvimbakupa, vanoti vari kufadzwa negadziriro yavaita, uye nekuvapo kwevatyairi vechitema vatatu vachange vakamirira nyika mumakwikwi aya.

VaMazvimbakupa vanoti vanotarisira kuti Zimbabwe ichasimudza mureza wayo mumakwikwi aya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG