Accessibility links

Breaking News

Bangladesh Inorakasha Zimbabwe Cricket


Chikwata cheZimbabwe chakundwa neBangladesh nema runs anoita makumi mana nemapfumbamwe (49), mumutambo wema five-day internationals series watambirwa kuQueens Sports Club neChipiri.

Zimbabwe yaita ma runs anoswika 271 ikakundwa neBangaladesh yakwanisa kusvitsa ma runs 320.

Pari zvino Zimbabwe yakundwa pamitambo miviri neBangladesh, uye zvikwata zviviri izvi zvichatamba zvakare nemusi weChishanu pamutambo weChitatu mumakwikwi aya.

Mukuru wevatambi veBangladesh, Shakib al Hasan, ndiye aitwa mutambi atamba zvinonwisa mvura pamutambo uyu kudarika vamwe vose.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo we cricket, Dumisani Zikali, kuti tinzwe mafambiro aita mutambo weZimbabwe Cricket neBangladesh.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG