Accessibility links

Breaking News

Amai Clinton Vokurukura Nyaya yeZimbabwe naVaZuma


Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, Amai Hillary Rodham Clinton, vari kutarisirwa kuita musangano muPretoria nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma neMugovera.

America iri kuda kuti VaZuma, sasachigaro weSADC, vasarege mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiita madiro ajojina vachityora chibvumirano cheGPA.

Amai Clinton vanoti vari kutsigira zviri kuitwa neSouth Africa mukuedza kugadzirisa gakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Asi gurukota muhofisi yaVaMugabe, uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaDidymus Mutasa, vanoti Amai Clinton havafanirwe kupindira munyaya yeZimbabwe.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mashoko aVaMutasa haana nematuro ose. VaChamisa vanoti Amai Clinton munhu ari kutaura chokwadi chiri kuitika munyika chinozivikanwa nemunhu wese.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaInnocent Sithole, vanoti hapana chakaipa parwendo rwaAmai Clinton kuna VaZuma pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe. VaSithole vanoti vekunze kwenyika vanofanirwa kutaurawo pfungwa dzavo pane zviri kuitika munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG