Accessibility links

Breaking News

Kuumbwa kweZimbabwe Media Commission Kounza Mutauro


Mutauriri wedare reHouse of Assembly, uye vari sachigaro wekomiti yeparamende yeStanding Rules and Orders, kana kuti SROC, VaLovemore Moyo, vanoti komiti yavo yakatotumira mazita evanhu gumi nevaviri kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, sezvinodiwa nemutemo.

VaMugabe ndivo vachasarudza makomishina masere, uye sachigaro weZimbabwe Media Commission, zvichitevera bvunzo dzekaitwa neMuvhuro nevanhu vakanyorera basa iri.

Nyaya yekusarudzwa kwemakomishina eZimbabwe Media Commission, yave kukonzera kuti hurumende yemubatanidzwa iitezve zinyekenyeke zvichitevera kusawirirana kuripo.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanonzi vari kutsika madziro kuti vanhu gumi nevaviri vakasarudzwa nekomiti yeparamende yeStanding Rules and Orders Committee, ndevebato reMDC, nekudaro mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaArthur Mutambara, vanofanirwa kupindira panyaya iyi.

Asi vamwe muparamende vanoti kuda kuita izvi kutyora mutemo uri pachena unoti makomishina anosarudzwa nekomiti yeparamende.

Kusawiriorana panyaya yekusarudzwa kwemakomishina kwava kukupinza chando mumiviri yevatori venhau vange vofunga kuti zvinhu zvava kuchinja nekuuya kwehurumende yemubatanidzwa.

VaAbel Mutsakani ndivo mupepeti mukuru webepanhau repa internet reZimOnline. VaMutsakani vanoti komiseni iyi inofanirwa kunge iine vanhu vanoziva zvekutorwa kwenhau.

Ukuwo mutungamiri weMISA-Zimbabwe, VaTakura Zhangazha, vanoti vatori venhau vanofanirwa kuumba komisheni yavo inoshanda yakazvimirira, kwete kuti inge iri pasi pehurumende.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG